Tsamba Kuna Baba
Ndinotanga seiko urwu rwunyorwa
“Wadiwa…”
Wadiwa ani?
B.a.b.a
“Ndafara kunyora…”
Chimisa mazwi cherurumi rwangu
Chobva chasunga
Chinyoreso kukakama kunge
Kufamba kwarwaivhi.
Moyo wangu waishuvira zvakawanda
Waishuvira kukuzivaiwo b.a.b.a
Kugara pasi tichikurukura
Kukuonaiwo muchinyemwerera ndataura nyambo
Kushuvira, kunyora idzi ndangariro
Muchinyorwa chehwangu hupenyu.
Izwi ndaingonzwa panhare mbozha
Chiso chenyu kuchiona muzviroto
Maivepiko baba?
Kutadza zuva rimwe kuzondionawo
Chigumbu b.a.b.a, bundu rakatindika moyo wangu
Ini wenyu mwana kuita mbeu yakakandirwa negore
Ndokuyeredzwa negungwa kunge marara
Kurasirwa mahombekombe, kure kure
Imi muripo zvenyu baba?
Nhasi mauuya kuzokohwa
Ah b.a.b.a. |