Shizha Idva
Mwanangu Anesu
Pukuta hova dzoyerera paako matama
Ini mai vako ndivete paneiyi nzvimbo
Pandisisina mukana wekupukuta yako misodzi,
mukana wekuva dombo rako
Asi rangarira mazuva ataive tose
Nzimbo taisiimba
Rangarira mwanangu
Iwo mazuva mashoma taiseka pamwe
Waive mumvuri wangu
Chiedza, tariro yeupenyu hwangu.
Nhasi simudza musoro wako neyako tariro
Wakatarira kuna samatenga, bako rako.
Zembera pane aya mazwi
Ndinoziva minzwa yokubaya yawandisa
Vatumburi dzimweni nguva ndivo vokuteya
Chirega kuchema mwanangu
Dzikamisa hana yako utarire rako ramangwana
Uri goridhe rangu
Rudo rwangu kwauri haruperi
Kana zvonyanyo dzimba neako mabvi gwadama
Podza ushungu hwangu
Tarira chete zviri mberi.
|