Shizha Idva
Mimvuri mitatu
Inofamba neni
Kunyanya nhasi
Zvichiita kunge moyo wangu wachekwa
Kuita miranzu mitatu
Uku kupera kwaro gore
Ndovhunura ganda rangu razuro
Ranga raoma kuita mitswi sechikumba
Ndotsvaga pakati peiiyi mimvuri mitatu
Shamwari yangu yandichafamba nayo.
Uku kupera kwaro gore
Kupera kwezvazuro
Murove naya, ukukure hundi yose
Bvisa unye hose
Kukura ose marara, aende naZambezi
O, zuva rechadenga, tungidza wangu mwenje
Nyemwerero yangu igova nyaradzo kune vanochema
Mazwi angu ape tariro kune vagumirwa
Ndidyare mhodzi yeruva rasingaomi
Swerotumbuka runako rwakanyorovera
Ndigosakurira, ndigodiridzira
Kusosera nerurimi rwakambundirwa nerudo
O, zuva rechadenga, vhenekera yangu nzira
Ndirave zvakachenjera ichi chikamu choupenyu
Ndivhure zhizha rimwe nerimwe zvakafanira
Nditungamire mweya anoera
Ndoshuvira matsimba makuru
Mukati mehwangu upenyu.
|