Ndateterera, Ndapota
Ndapfugama ndagwadama
Nhai Mwariwe
Ndingawanawo here muface
Anoziva mazita emaruva zana
Akazanirana
Ndingawanawo here muchinda
Asingasvotwi nehama dzangu
Kana dzouya, dzichipinda, dzichibuda
Mumba medu kunge tsuro dzesango,
Dzodya matumbu futunu sehamawo
Dzangu ini mukadzi.
Muchinda akaumbwa zvinodadisa dzinza
Anoti paanofamba pasi rinondengendeka
Hofori yerume papfungwa kwete pachiso
Ndapota hangu mwari asaita uchecheu
Kunge ane mutsipa wendandi kutatamuka
Kana awona vamwe vakadzi, kucheuka
Kuyeverwa ini ndakagara padyo naye
Muchinda, zingizi rinoziva kuti maruva enyika
Haaperi, agogonyerawo pandiri kusvika narini
Nokuti Mwari, nyika yotorarama yanyangara
Yazara mazerere ezvirwere, vazhingji vogomera
Kuparara vachiri vadiki. Vana vazhinji dzave nherera
Nyika yangove nzizi dzemisodzi
Ndapota hangu Mwari, ndateterera Mwari we
Ndipeiwo muface
Anepfungwa dzakakura kupinda zviri muchiuno
Anokoshesa mhiko yedu nerudo rwedu
Muchinda andinotemba kana aenda kumafaro
Kuti haazofa akapinda nemwenje mudziva
Otuhwina hake asina kusimira
Okukuzva mazerere adzo hosha
Osvika muneredu dumba zorei zorei
Ndapota hangu Mwariwe, ndateterera.
|